Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Inoti Zimbabwe Ngaisapihwa Rubatsiro


Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose, reHuman Rights Watch, rinoti vatungamiri venyika dzemuSADC havafanire kubatsira hurumende yeZimbabwe nemari kana hurumende iyi isati yagadzirisa maitiro ayo.

SADC iri kusangana neMuvhuro kuSwaziland kuti izeye kuti yobatsira seyi Zimbabwe kuitira kuti iwane mari yairi kuda inosvika mabhiriyoni maviri emadhora ekuAmerica.

Mari iyi iri kudiwa nechimbichimbi kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa isanyure mumadhaka.

Sangano iri rinotiwo nyaya dzinoda kugadziriswa inyaya dzekodzero dzevanhu, kutorwa kwemapurazi, uye kusunga vose vari kupomerwa mhosva dzekuponda vanhu munguva yesarudzo.

Asi vachitaura muHarare neChitatu, mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakaramba kuti pane mapurazi ari kutorwa uye kuti pane vanhu vakasungirwa nyaya dzezve matongerwo enyika vachiri mutirongo.

VaMugabe vanotiwo havasi kuzonamata nyika dzekunze kuti dzivape rubatsiro. Asi nekune rimwe divi, gurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti, vanoti vakasawana rubatsiro urwu, hurumende yemubatanidzwa inoenda kumazivandadzoka.

VaDewa Mavhinga igweta rinorwira kodzero dzevanhu, uye vachishanda nesangano reHuman Rights Watch. VaMavhinga vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti nyika ichavakika zvakanaka kana vakapara mhosva vasungwa uye kodzero dzeavanhu dzavakuremekedzwa.

Ukuwo Chief Whip weZanu PF mudare re House of Assembly, VaJoram Gumbo, vanotiwo zvekuti hapana hurumende yemubatanidzwa iri kuedza kugadzirisa zvose zviri kunetsa, asi zvinotora nguva.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG