Accessibility links

Breaking News

Zvikwata Zviri muPremier Soccer League Zvonetsana


Zvikwata zviri muPremier Soccer League zviri kuita makakatanwa pamusoro pemari dziri kubviswa pamaghedhi pamitambo yemwaka uno.

Zvikwata zvikuru zvinoti zvinoda kuti zvipihwe mari yese inenge yabhadharwa pamitambo inotambirwa munhandare dzemumusha mazvo, kana kuti home matches.

Sangano rePremier Soccer League rinonzi rinoda kuti zvikwata zvigovane mari yavanenge vawana mumitambo yose, chikwata chinenge chiri pamusha, chowana zvikamu zvakati wandeyi kudarika chimwe.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemutori wedu wenhau dzemitambo, George Mupfuti, kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG