Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Votarisirwa Kuita Misangano yeKuzeya Kutorwa kweMapurazi


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vadzoka munyika kubva kuSouth Africa uko vakanga vaenda kumbononyaradzwa mushure mekushaya kwemudzimai vavo mutsaona yemotokari, vari kutarisirwa kuita musangano nemakurukota akasiyana siyana kuti vakurukure nyaya yemapurazi ari kuramba achitorwa.

VaTsvangirai vari kutarisirwa kusangana nemakurukota ezvekurima, kudzivirirwa kwenyika, vezvemukati menyika, vakuru vemapurisa, pamwe nevamiriri vesangano revarimi vechichena reCommercial Farmers Union, CFU chero nguva kubva.

Imwe nhengo yeCFU isina kuda kudomwa nezita inoti sangano ravo riri kusangana nemapazi ehurumende akasiyana siyana vachikurukura nyaya yekutorwa kweminda, uye vari kutarisira kusangana naVaTsvangairai chero nguva.

VaFarai Maguwu, avo vanoongorora zvematongerwo enyika, uye vachishanda nesanagano reCenter for Community Development vaudza Jonga Kandemiiri kuti havaoni VaTsvangirai vachibudirira muchido chavo chekuti vamise kutorwa kwemapurazi, sezvo VaMugabe vari kutsigira zviri kuitika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG