Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yonetseka Kuwana Mari


Nyaya yekugadzirisa hupfumi hweZimbabwe hwaenda kumawere inenge ichanetsa sezvo nyika dziri kutarisirwa kuti dzibatsire hurumende yemubatanidzwa, dziri kutsika madziro.

South Africa, iyo yaimbenge yati ichabatsira Zimbabwe nemari, yava kuti mutoro uyu wakaikurira zvekuti yoga hapana chaingabure.

America nenyika dzemu European Union dzinoti hapana zvakawanda zvashanduka munyika, nekudaro hadzisi kuzobvisa zvirango kana kupa hurumende mari. Asi nyika idzi dziri kubatsira Zimbabwe nerubatsiro runoenda kuvanhu, kwete hurumende.

Bepanhau reHerald rinoti vamiriri veJapan nePortugal vakakurudzira nyika dzavo kuti dzibvise zvirango zvakatemerwa mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vavo.

VaCharles Mangongera inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika.

VaMangongera vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti Zimbabwe iri kuita seyakageza negoka munyama nenyaya yekuti haitevedzeri mutemo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG