Accessibility links

Breaking News

VaMugabe: Zimbabwe Inoda US$5 Billion Kuti Igadzirise Hupfumi


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti Zimbabwe inoda rubatsiro rwemari inodarika mabhiriyoni mashanu emari yekuAmerica, kuitira kuti ivandudze hupfumi hwayo.

VaMugabe vataura mashoko aya pakuparurwa kwechirongwa chekuvandudza hupfumi hwenyika nechimbichimbi, icho chinonzi Short Term Emergency Recovery Programme, kana kuti STERP.

VaMugabe vakurudzira nyika dzakabudirira kuti dzibvise zvirango zvadzakatemera Zimbabwe. VaMugabe vanga vakatsigirwa negurukota rezvemari, VaTendai Biti, mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozane Khupe, gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono nevamwe.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti ichokwadi kuti Zimbabwe inofanirwa kubatsirwa kuitira kuti zvinhu zvigadzikane munyaya dzehupfumi. Nyanzvi idzi dzinotiwo munyika munofanirwa kuva nehutongi hwejechetere, kuitira kuti nyika dzakabudirira dzibatsire Zimbabwe.

VaFarai Mamina,avo vanoongora zvematongerwo enyika uye nyaya dzeupfumi vanoti Zimbabwe inofanirwa kutanga yazviratidza zvakanaka munyaya dzekucherechedzwa kwekodzero dzevanhu, kuitira kuti ikwanise kuwana rubatsiro.

Mukuzeya zvakadzama nyaya yekuparurwa kwemari negwara rekugadzirisa hupfumi, mutori Blessing Zulu weStudio7 aita hurukuro nenyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaProsper Chitambara, avo vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, pamwe naVaCallisto Jokonya, avo vaimbotungamira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG