Accessibility links

Breaking News

Mitambo yePremier Soccer League Yotanga Isina Rutsigiro


Sangango renhabvu yepamusoro munyika, re Premier Soccer League, rinoti richatanga mitambo yegore rino risina rutsigiro rwemari. Nyanzvi munyaya dzemitambo yenhabvu dzinoti izvi zvingangokanganisa mafambiro emitambo yemwaka uno.

Bhanga reCBZ, iro raimbotsigira Premier Soccer League nemari, rinonzi harisi kukwanisa kuenderera mberi nerwutsigiro urwu mwaka uno. Studio7 haina kukwanisa kunzw divi reCBZ.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro nemutori wedu wenhau dzemitambo, George Mupfuti, kuti tinzwe zviri kuitika munyaya dzemitambo yenhabvu.

Aya ndiwo mamiriro achange akaita mitambo yenhabvu painotanga:

Black Rhinos vs Lengthens

CAPS United vs Hwange

Highlanders vs Gunners

Kiglon vs Shooting Stars

Monomotapa vs Highway

Motor Action vs Eagles,

Njube Sundowns vs Bantu Rovers

Underhill vs Dynamos.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG