Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotarisirwa Kupedza Dambudziko reKorera


Sangano reWorld Health Organisation rinoti huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere chekorera hwava kudzikira, kana zvichitariswa huwandu hwevanhu vari kufa pazuva, kana pasvondo.

Sangano iri rinoti kusvika neSvondo vanhu vanosvika zviuru zvina nemakumi matatu nevashanu, 4035, vakafa nechirwere chekorera, uye vanhu vanosvika zviuru makumi mapfumbamwe nechimwe nevanhu vatatu, kana kuti 91003, vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Executive Director ve sangano reCommunity Working Group On Health, VaItayi Rusike, vanoti vane chivimbo chekuti hurumende yemubatanidzwa ichashandura mamiriro akaita zvinhu munyaya dzehutano, inofanirwa kugadzirisa dambudziko rechirwere chekorera.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaRusike kuti tinzwe maonero avo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG