Accessibility links

Breaking News

VaRoy Bennett Vanoburitswa Mujere


Mubati wehomwe muMDC, uye vari kutarisirwa kugadzwa semutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaRoy Leslie Bennett, vaburitswa mujere neChina mushure mekunge vabhadharirwa mari yechibatiso sezvakatarwa nedare reSupreme Court neChitatu.

VaBennett vakasungwa nemusi wa 13 Kurume vari panhandare yendege diki yeCharles Prince muHarare, vachipomerwa mhosva yekuchengeta zvombo vaine chinangwa chekuda kuita zvehugandanga, uye kuda kuputsa zvivakwa zvehurumende.

Asi VaBennett vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.

Vanhu vakawanda vaenda kunoona VaBennett vachibuda mujere rekwaMutare uko vanga vakachengeterwa. VaBennett vaudza vatori venhau kut vafadzwa zvikuru nerutsigiro rwvakapihwa nevatsigiri veMDC apo vari muhusungwa. Vatiwo vachaenda kuBuhera kunoona parere mudzimai wemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, Amai Susan Tsvangirai, avo vakavigwa neChitatu kumusha kwavo kwaHumanikwa kwakare kuBuhera.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG