Accessibility links

Breaking News

Supreme Court Inoti VaBennett Ngavaburitswe Mujere


Dare repamusoro-soro reSupreme Court rarasa chikumbiro chehurumende chekupikisa mutongo wedare reHigh Court, iro rakati mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mutongi mukuru wematare, Chief Justice Godfrey Chidyausiku, vati VaBennett ngavabvisiswe mari yechibatiso inoita zviuru zvishanu zvemadhora ekuAmerica, uye kuzviratidza katatu pasvondo kumapurisa, vopa magwaro emba yavo kumunyori wedare.

VaBennett vari kupomerwa mhosva dzekuita zvehugandanga uye kuda kuparadza zvivakwa zvehurumende. Asi vari kuramba mhosva yavari kupomerwa.

Rimwe remagweta ari kumirira VaBennett, VaTrust Maanda, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti havatarisiri kusangana nedambudziko pakuti vashandi vekumajeri vaburitse VaBennett, sezvakamboitika svondo rapera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG