Accessibility links

Breaking News

Mai Susan Tsvangirai Vanoradzikwa kuBuhera


Mutumbi wemudzimai wemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, Amai Susan Tsvangirai, waradzikwa neChitatu kumusha kwavo kuBuhera mubhuku rekwaHumanikwa.

Vanhu vanodarika zviuru makumi mana nezvishanu vaungana mubhuku iri vachionekana nemuchakabvu. Vamwe vevanhu vange vari pakuvigwa kwaMai Tsvangirai, vanosanganisira mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozane Khupe, gurukota rezve mari, VaTendai Biti, gurukota rezvemhando dzemoto, Engineer Elias Mudzuri, mumiriri weAmerica muZimbabwe, Ambassador James McGee, pamwe nenhumwa dzanga dzichimirira hurumende dzeSouth Africa ne Botswana.

Asi Zanu PF inonzi haina kutumira nhumwa kuti dzinomirira bato iri pakuvigwa kwaMai Tsvangirai.

Vanhu vakawanda vataura mashoko ekurumbidza mabasa akaitwa namuchakabvu. Vachitaura pakuvigwa kwaMai Tsvangirai, Muzvare Khupe vati Zimbabwe yatorerwa gamba rakarwira rusununguko rwevanhu vakawanda.

Mai Tsvangirai vakaberekwa mugore ra1958, vakaroorwa naVaTsvangirai muna 1978. Vasiya murume, vana vatanhatu, Edwin, Garikayi, Vimbai, Rumbidzai, Millicent naVincent, uye vazukuru vaviri, Gamuchirai naShawn.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG