Accessibility links

Breaking News

Dzimwe Nhengo dzeMDC Nhatu Dzinoburitswa Muhusungwa


Nhengo dzeMDC nhatu dzakanga dzapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuti dzitongwe dzichibva kumba, asi dzakaramba dziri muhusungwa sezvo magweta aidzimirira aitadza kuwana humbowo hwaidiwa nedare hwekuti vakanga vasina magwaro ekufambisa here kana kuti kwete, dzaburitswa.

Vatatu ava, avo vanoti VaPieta Kaseke, VaCollen Mutemagawu pamwe naMai Violet Mupfuranhehwe, vakwanisa kuburitswa kujeri reChikurubi Maximum Security Prison manheru mushure mekunge vabhadhariswa mari yechibatiso inoita US$600 pamunhu, uye kunzi vange vachizviratidza kumapurisa kaviri pasvondo.

Vatsigiri weMDC ava vakapambwa kubva mudzimba dzavo kuBanket, Mashonaland West, muna Gumiguru gore rapera vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende.

Rimwe remagweta ari kumirira vanhu ava, VaAlec Muchadehama, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vari kuedza kuona kuti vatatu ava vaendeswa kuchipatara kunorapwa nechimbi chimbi.

Zvichakadaro, magweta ari kumirira mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, ati dare repamusoro reSupreme Court ranzwa kupikisa kwehurumende mutongo wakapihwa nedare reHigh Court wekuti VaBennett vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Rimwe remagweta aya, Amai Beatrice Mtetwa, vaudza Studio7 kuti vachakangomirira kunzwa mutongo uchapiwa nedare iri izvo zvanga zvichfanirwa kuitwa neChipiri.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG