Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanoti Tsaona Yakatora Mudzimai Wavo Haina Kurongwa


Mutungamiri wehurumende uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vazivisa kuti havafungi kuti tsaona yemotokari yakatora upenyu hwemudzimai wavo, Amai Susan Tsvangirai, yakarongwa nemumwe munhu kuti izvi zviitike.

VaTsvangirai vataura mashoko aya kumba kwavo kumhomho yakaungana kuzochema pamwe navo kushaya kwemudzimai wavo.

VaTsvangirai vataurawo mashoko aya mushure mekudzoka kuBotswana, uko vakaenda kunovhenekwa navana chiremba zvichitevera kukuvara kwavakaita mutsaona yakatora mudzimai wavo iyi.

Mutauriri waVaTsvangirai, VaJames Maridadi, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti VaTsvangirai vatorawo mukana uyu kuzivisa mhomho yeZimbabwe kuti chiitiko ichi chatovasimbisa zvikuru muchido chavo chekupedzisa zvavakatanga.,

Zvichakadaro, mashoko atiri kutambira anoti mutyairi wemotokari yakakonzera tsaona yakatora hupenyu hwaMai Tsvangirai, uyo aziviswa kuti anonzi Chinoona Mwanada, amiswa pamberi pedare muChivhu.

Zvinonzi Mwananda apiwa mukana wekutongwa achibva kumba kwake uye ari kutarisirwa kudzoka kudare musi wa23 Kurume.

Ukuwo vanhu vakawanda vanonzi vaswera vakaunga pamba paVaTsvangirai vachichema kushaya kwemudzimai wemutungamiiri wehurumende. Mutumbi waMai Tsvangirai wanga wakatarisirwa kueara uri kumba kwavo, uye neChipiri, uchange uri ku Glamis Arena, uko veruzhinji vachange vachienda kunoonekana nemufi.

Amai Tsvangirai vari kutarisirwa kuradzikwa kuBuhera nemusi weChitatu.

Amai Tsvangirai vakaberekwa muna 1958, vakaroorwa naVaTsvangirai vava nemakore makumi maviri muna 1978. Vasiya murume, vana vatanhatu, Edwin, Garikayi, Rumbidzai, Vimbai, Millicent naVincent, uye vazukuro vaviri, Gamuchirai naShawn.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG