Accessibility links

Breaking News

Mai Tsvangirai Vanofa Mushure Metsaona yeMotokari


Mudzimai wemutungamiri wehurumede, VaMorgan Tsvangirai, Amai Susan Tsvangirai, vashaya neChishanu mushure mekuita tsaona yemutokari pakati peChivhu neHarare.

Amai Tsvangirai, avo vakanga vachifamba nemurume wavo, vanonzi vakabheuka katatu nemotokari yavaishandisa mushure mekunge mutyairi wemotokari iyi, aedza kunzvenga rori yaibva nerutivi rwavaienda. Zvinonzi motokari iyi yakabuda mumugagwa ndokubva yarohwa netirera yerori yakanga ranzvengwa nemutyairi waVaTsvangirai.

Zvinonzi Amai Tsvangirai vakanzi navana chiremba vepaBeatrice vakanga vatoshaya apo vakasvitswa pachipatara ichi vachida kuti vabatsirwe.

VaTsvangirai pachavo vanonzi vakakuvara kumeso, uye vari muchipatara che Avenue Clinic.

Tsvaona iyi yakaitika apo VaTsvangirai vaienda kumabiko kumusha kwavo ekupemberera kugadzwa kwavo semutungamiri wehurumende.

Amai Tsvangirai vakaroorwa nemurume wavo muna 1978, uye vasiya murume, vana vatanhatu vanoti, Edwin, Garikayi, Vimbai, Rumbidzai, nemapatya Milcent naVincent, uye vazukuru vaviri, Gamuchirai naShawn.

Mutungamiri weBritain, VaGordon Brown, pamwe nemutungamiri wechimwe chikwata cheMDC, VaArthur Mutambara, vatumira mashoko enyaradzo kumhuri yekwaTsvangirai.

Bato reMDC rinoti richaburitsa hurongwa hwekuvigwa kwaMai Tsvangirai neMugovera.

Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro neimwe nhengo huru muMDC, VaDennis Murira, kuti tinzwe mamiriro akaita zvinhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG