Accessibility links

Breaking News

IMF neWorld Bank Vonanga kuZimbabwe


Masangano eInternational Monetary Fund pamwe neWorld Bank, ari kutarisirwa kupinda munyika neMuvhuro kuzoita misangano nevakuru vehurumende kuti aone kuti angatange kudyidzana here kana kuti kwete neZimbabwe.

Sangano reIMF rakagura hukama neZimbabwe muna 2003 richiti Zimbabwe yaive isina gwara rakati tsvikiti munyaya dzehupfumi.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti havana chivimbo kuti pane chichabuda nekuti nyaya yekutevedza mitemo haisati yagadziriswa, uye vamwe muZanu PF, vatangazve kutora mapurazi evachena.

VaProsper Chitambara vanoongorora nyaya dzezvehupfumi. VaChitambara vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti Zimbabwe ichine rwendo rwurefu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG