Accessibility links

Breaking News

VaBennett Voramba Vari mMujere


Mutongi wedare reSupreme Court, VaPaddington Garwe, vapa magweta ehurumende mukana wekuti apikise mutongo wakapihwa neHigh Court wekuta mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, vaburitswe mutirongo mushure mekubhadhara mari yechibatiso inoita madhora zviuru zviviri zvemadhora ekuAmerica.

Izvi zvinoreva kuti VaBennett vacharamba vari muhusungwa kudzamara dare iri rapa mutongo waro.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti nyaya yekutongwa kwaVaBennett yava kubatwa nemaoko ezvematongerwo enyika, kwete negwara remitemo yenyika.

Gweta uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, Doctor Lovemore Madhuku, avo vanowe zvakare sachigaro weNCA, vanoti pamutemo hazvina hazvo kuipa kuti hurumende ikwikwidze mutongo wekuti VaBennett vaburitswe, asi vakati zviri kuitika panyaya iyi, hazvisi kuteverwa pamutemo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG