Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeChikafu Yoramba Ichinetsa


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChitatu vakadoma mutevedzeri wavo Muzvare Thokozane Khupe kuti vaone nezvenyaya dzekuwanira vanhu mishonga nezvekudya. Nyanzvi dzinoti ichi chiratidzo chekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyika.

Kunyange hazvo mitengo yezvekudya munyika yave kuderera nekuda kwekurerutswa kwemitemo yekupinda munyika kwezvekudya, uye kuti vamwe vanhu zvikuru mumaruwa, vari kukohwa zvirimwa zvinyoro vanhu vakawanda vachiri kuyaura nenzara.

Blessing Zulu weStudio7 abata nyanzvi munyaya dzekurima, VaRenson Gasela, pamwe nenyanzvi munyaya dzehupfumi, uye vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, avo vatenderana kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka munyaya dzekudya uye zvichatowedzerwa nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vari kukurudzira vanhu kuti vanhu vatorezve mapurazi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG