Accessibility links

Breaking News

America Yowedzera Zvirango Kuna VaMugabe neVamwe Vavo


America inoti yakawedzera neChitatu negore rimwe chete zvirango zvayakatemera VaMugabe nemakurukota eZanu PF, ichiti kutyorwa kwekodzero dzevanhu kuri kuenderera mberi muZimbabwe.

Gwaro rakaburitswa nemutungamiri we America, Va Barack Obama, rinoti kusaremekedzwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe kuri kukanganisa zvikuru kudyidzana pakati penyika iyi neZimbabwe.

America yakawedzera zvirango izvi zvisineyi nekurudziro yemutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, yekuti nyika dzinenge America nedzimwe dzakabudirira, dzinofanirwa kubvisa zvirango izvi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongero enyika, uye vari mudzidzisi pa University of Zimbabwe, Doctor John Makumbe, vaudza Ntungamili Nkomo weStudio7 kuti dhano ratorwa ne America iri rakanaka chose.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG