Accessibility links

Breaking News

Magweta aVaBennett Anobvisa Mari yeChibatiso Inoita US$2000


Mutongi wedare rekwaMutare, VaLivingstone Chipadze, vati mhosva iri kupomerwa mubati wehomwe muMDC, VaRoy Leslie Bennett, ichatanga kutongwa musi wa18 Kurume.

Ukuwo magweta aVaBennett anoti akwanisa kubvisa mari yechibatiso inoita US$2 000 uye kupa kumunyori wedare gwaro ravo rekufambisa sezvinodiwa nemutemo kuti vakwanise kubuda mujere, kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo sezvakatarwa nedare.

Magweta ari kumirira VaBennett anoti ambosangana nematambudziko kuti vakwanise kubvisa mari yechibatiso iyi, asi vazokwanisa kuita izvi mushure mekunge mutongi wedare, VaLivingstone Chipadze, vasimbisa mutongo wakapiwa nedare repamusoro wekuti VaBennett vabvisiswe mari yechibatiso.

Mamwe mashoko atawana anotiwo hurumende yapikisa kudare reSupreme Court mutongo wedare reHigh Court wekuti VaBennett vabvisiswe mari yechibatiso. Asi Studio 7 haina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi uye kuti kupikisa uku kunoreveyi pamutongo wakapihwa neChipiri nemutongi wedare repamusoro, VaTedius Karwi.

Rimwe remagweta ari kumirira VaBennett, VaTrust Maanda, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vanga vari mushishi kuedza kuti vaone kuti VaBennett vaburitswa muhusungwa manheru eChitatu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG