Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vanotaura Kekutanga  Mudare reHouse of Assembly


Mutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChitatu vakakurudzira nyika dzekunze kuti dzibvise zvirango zvehupfumi pamwe nezvimwe zvinoita kuti Zimbabwe isabudirire.

VaTsvangirai vakataura mashoko aya kekutanga semutungamiri wehurumende mudare reHouse of Assembly.

VaTsvangirai vakati hurumende yemubatanidzwa yakazvipira kudyidzana nedzimwe nyika pamwe nemasangano akazvimirira, nekudaro nyika idzi nemasangano aya, dzinofanirwa kubvisa zvese zvinoita kuti hupfumi hwenyika husafambire mberi.

VaTsvangirai vashora kubvutwa kwemapurazi kuri kuitwa pari zvino, vakati kunofanirwa kumiswa sezvo kuri kuvhiringa nyaya dzekurima.

VaTsvangirai vatiwo Zimbabwe ichatadza kuwana chikafu chakakwana nekuda kwekupambwa kuri kuitwa mapurazi pari zvino.

Vati nyika icharasikirwa nemamiriyoni zana nemakumi mashanu emadhaora ekuAmerca nekuda kwaizvozvi.

Vatiwo hurumende yavo ichaongororawo kuti nyaya dzekutorwa nekugoviwa kweminda dzakafambiswa sei, uye kuti vane minda vari kurima here pamwe nezvimwe zvakadaro.

VaTsvangirai vatiwo hurumende yavo ichagadzirisa nyaya dzehupfumi, asi vakati izvi zvichanetsa kana chimiro chenyika chikaramba chakasviba sezviri kutika pari zvino apo vasungwa vezvamatongerwo enyika, vari kuramba vakavharirwa mumajere.

Mutungumriri wehurumende akabata batawo nyaya yedzidzo nehutano izvo vakati zvinoda kugadziriswa nekukasika.

Vatiwo sekubvumirana kwakaita nemapato matatu aya pasi pe Inter-Party Political Agreement, hurumende inofanirwa kuvandudza mitemo inoita kuti vatori venhau vashande vakasununguka, kuitira kuti mapepanhau avhurwe pamwe nekuti masaisai avhurwe kuitira kuti vanhuwo zvavo vakwanise kutanga dzinhepfenyuro dzavo.

VaTsvangirai vatiwo nhengo dzese dzedare reHouse of Assembly dzinofanirwa kutaura mari dzavainadzo, pamwe nehupfumi hwadziinadzo senzira yekudzivirira huwori.

Muzvare Theressa Mugadza igweta uye vachiongorora zvematongerwo enyika. Muzvare Mugadza vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti mashoko aVaTsvangirai ekuti hurumende itsva iremekedze kodzero dzevanhu pamwe nekuchinja muitiro wayo kana ichida kuti zvirango zvakatemerwa VaMugabe nevamwe vavo, zvibviswe, mashoko ane hudzamu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG