Accessibility links

Breaking News

Dare reDzimhosva Rinoti VaBennett Ngavaburitswe Muhusungwa


Dare reHigh Court rarasa chikumbiro chehurumende chekuti mubati wehomwe muMDC, uye vari kutarisirwa kugadzwa semutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaRoy Bennett, vasapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso.

Mutongi wedare iri, VaTedius Karwi, vati VaBennett vanofanirwa kupihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, kuitira kuti nyaya yavari kupomerwa, itongwe vachibva kumba. Hurumende inonzi yamboda kupikisa mutongo uyu, asi VaKarwi vati havasi kutambira kupikisa kwehurumende sezvo zvirsii pamutemo. Pasi pemitemo yematare, nyaya inopikiswa kamwe chete.

Mutongo waVaKarwi unoreva kuti VaBennett vanofanirwa kubvisa mari yechibatiso, voburitswa mujere mavari.

Rimwe remagweta ari kumirira VaBennett, Amai Beatrice Mtetwa, vati vava kufambisa mapepa ekuti VaBennett vaburitswe muhusungwa, uye izvi zvikafamba zvakanaka, vanogona kuburitswa neChitatu.

VaBennet vakasungwa musi waKukadzi 13 panhandare diki yendege yePrince Charles muHarare vachida kuenda kuSouth Africa.

Hurumende iri kupomera VaBennett mhosva yekuita zvehugandanga pamwe nekuda kuputsa zvivakwa zvehurumende. Asi VaBennett vari kuramba mhosva dzavari kupomerwa.

Ukuwo, nhengo dzeMDC dzinosvika gumi nembiri pamwe nemutungamiri weZimbabwe Peace Project, Muzvare Jestina Mukoko, vakapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso pakati peChishanu svondo rapera neMuvhuro svondo rino, kuitira kuti vatongwe vachibva kudzimba dzavo.

Vasungwa ava vakanzi nedare vabvise mari yechibatiso inoita U.S$600.00, uye kuti vazviratidze kumapurisa ari pedyo navo kaviri pasvondo. Asi pavanhu ava, vatatu vavo vachiri muhusungwa, sezvo vasati vakwanisa kuunganidza zviri kudiwa kuti varegerwe.

Vasungwa ava vakatorwa mudzimba dzavo pakati paGumiguru naZvita wegore rapera, vakachengetedzwa kusina aiziva kwavari kwemazuva akawanda, vasati vaendeswa kumatare edzimhosva.

Vamwe gumi nevasere vachiri muhusungwa. Pane mashoko anotiwo vamwe vasere havasi kuzivikanwa kuti varipi kubva nguva yavakapambwa gore rapera.

Rimwe remagweta ari kumirira vasungwa ava, VaHarrison Nkomo, avo vane mukoma wavo VaZacharia Nkomo vakapiwawo mukana wekubvisa mari yechibatiso, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti havasi kunyanyofara kuti vavari kumirira vapiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso, sezvo vasina mhosva dzavakapara.

Zvichakadaro, nhengo MDC dzinosvika zana nemakumi mashanu dzakasungwa kuNyanga svondo rapera, dzinonzi dzichiri muhusungwa. Nhengo idzi dziri kupomerwa mhosva yekubvuta zvinhu zvevamwe nechisimba.

Asi bato reMDC kuManicaland rinoti nhengo dzaro dzakasungwa dzichida kutora midziyo yadzo pamwe nezvipfuyo zvakatorwa nevatsigiri veZanu PF munguva yemhirizhonga yakaitika musarudzo ye run-off gore rapera. Vasungwa ava vanga vachitarisirwa kumiswa pamberi pedare neChipiri, asi mashoko atatambira anoti izvi hazvina kuzoitika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG