Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvizhinji Zvinovhurwa Munyika


Vana vechikoro vemuzvikoro zvakasiyana-siyana muguta reGweru, vamukira kuenda kuchikoro neMuvhuro sezvo varairidzi vadzokera kumabasa mushure mekukuridzirwa kuita izvi negurukota idzva rezvedzidzo, Senator David Coltart.

Taurai Shava ari muGweru anoti Senator Coltart vakakomekedza kuti varairidzi vanga vasiya mabasa, vasanetswe pavanodzoka kubasa. Hurumende itsva inoti iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa zviri kunetsa mubazi redzidzo.

Ukuwo masangano anomirira varairidzi anoti nhengo dzawo dzingangosvika zvikamu makumi mashanu kubva muzana, dzadzokera kumabasa, kunyange hazvo pachine matambudziko ari kusangana nevamwe varairidzi.

Progressive Teachers’ Union of Zimbabwe inoti rimwe dambudziko riri kutadzisa varairidzi kudzokera kumabasa, kutadza kwavo kuchinja mavhocha avari kupiwa nehurumende semari yekubatsirikana, uye zvimhingamipinyi zviri kusangana nevakanga vambosiya basa, avo vava kuda kudzokerazve pamabasa.

Jonga Kandemiiri weStudio7 aita hurukuro nemutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, kuti tinzwe mafambiro ari kuita zvinhu.

Ukuwo acting Chief Executive Officer, veZIMTA, VaSifiso Ndlovu, vatiwo vachaita musangano negurukota rezvedzidzo nezvematambudziko ari kusangana nevarairidzi aya.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG