Accessibility links

Breaking News

Korera Yoramba Yakanetsa muNyika


Gurukota idzva rezvehutano, Dr Henry Madzorera, vanoti hurumende iri kuedza nepainogona napo kugadzirisa dambudziko rechirwere chekorera. Dr Madzorera vanoti pane zvinhu zvakawanda zvinoda kugadziriswa mubazi rezvehutano, kuitira kuti vanhu vasarambe vachifa nezvirwere zvakaita sekorera iyo inorapika nyore nyore.

Sangano reWorld Health Organisation rinoti vanhu vafa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu, vasvika pazviuru zvitatu zvine mazana masere nemakumi manomwe nevanomwe, kana kuti 3 877. Sangano iri rinotiwo vanhu vakabatwa nechirwere ichi vanopfuura 83 265. Asi dzimwe nyanzvo munyaya dzehutano dzinoti huwandu hwevanhu vari kufa kana kubatwa nechirwere ichi, hwakawandisa zvikuru kudarika huwandu huri kuburitswa neWHO.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vamwe vanhu vari kufa nechirwere chekorera, vanogona kuva vaine hutachiwana hwe HIV.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaMadzorera kuti tinzwe zviri kuitika muchirwere chekorera ne HIV-AIDS.


Dzimwe Nhau Kubva KuStudio7...


XS
SM
MD
LG