Accessibility links

Breaking News

Vana Chiremba Vokurudzira Hurumemde Kuti Irwise Korera


Sangano reWorld Health Organization rinoti kubva pakatanga chirwre chekorera muna Nyamavhuvhu, vanhu vanopfuura zviuru zvitatu nemazana masere nemakumi manomwe nevanomwe, kana kuti 3 877 vafa nekorera.

Sangano iri rinotiwo vanhu vanopfuura 83 265 vakabatawa nechirwere ichi. Asi nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti huwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi hunodarika huri kutaurwa neWHO iyo inoshanda pamwe chete nehurumende.

Sachigaro veZimbabwe Association Of Doctors For Human Rights, Dr Douglas Gwatidzo, vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kusendeka makakatanwa ayo parutivi, kuitira kuti vabatane mukurwisa chirwere chekorera.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaGwatidzo kuti tinzwe zvizere nezve nyaya iyi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG