Accessibility links

Breaking News

UN: VaMugabe Ngavachinje Maitiro Kana Vachida Rubatsiro


Munyori mukuru muUnited Nations, VaBan Ki moon, vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kusunungura vose vakasungirwa zvematongerwo enyika, kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa iyi ionekwe kuti yave kushanda zvechokwadi.

VaBan vakataura mashoko aya mushure mekuita musangano nemutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, muJohannesburg.

VaBan vanoti VaMugabe vanofanirwa kuonekwa nenyika dzepasi rose kuti vari kushanda zvakasimba uye kuti vakazvipira kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Vanoti VaMugabe vakasaratidza izvi, hapana nyika dzekunze dzichabatsira Zimbabwe nemari kuti ibude mumadhaka mairi. Kunze kwenyaya yeZimbabwe, VaMotlanthe naVaBan vabatabatawo nyaya yehondo yekuDRC uye nyaya yekuRwanda.

VaSydney Masamvu vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachishanda nesangano reInternational Crisis Group kuchamhembe kweAfrica.

VaMasamvu vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe havafanire kufunga kuti vachapihwa rubatsiro kana vasina kuchinja maitiro avo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...


XS
SM
MD
LG