Accessibility links

Breaking News

WHO: Korera Inouraya Vanhu Vanodarika 3 806


Sangano re World Health Orgnisation, WHO, rinoti vanhu vafa nechirwere chekorera vasvika pazviuru zvitatu nemazana masere ane vatanhatu, kana kuti 3 806.

Sangano iri rinotiwo vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu, vasvika pa 81 210.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti huwandu huri kutaurwa ne WHO huri pasi pehuwandu chaiho hwevanhu vari kufa, kana kubatwa nekorera. Ukuwo hurumende inoti iri kuedza nepainogona napo kurwisa chirwere ichi, kunyange hazvo izvi zviri kuratidza kuti mutoro.

Muzvare Tsitsi Singizi ndivo Communitcations Officer veUNICEF.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naMuzvare Singizi kuti tinzwewo maonero avo pachirwere chekorera.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG