Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokurudzira Nyika Dzakabudirira Kuti Dzibatsire Hurumende Itsva


Mutungamiri wehurumende itsva, uye vari mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanoti nyika dzakabudirira dzinofanirwa kubatsira hurumende itsva yemuZimbabwe, kuitira kuti igadzirise matambudziko ayakatarisana nawo.

Vachitaura neSvondo kuzviuru nezviuru zvevanhu vakaungana munhandare yeMkoba kuGweru, apo bato ravo raicherechedza kusvika makore gumi raumbwa, VaTsvangirai vakati nyika dzakabudirira dzinofanirwa kuziva kuti vana veZimbabwe ndivo vakasarudza kuumba hurumende yemubatanidzwa.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika inoti VaTsvangirai vakurumidza kukurudzira dzihurumende dzakabudirira kuti dzipe Zimbabwe rubatsiro sezvo pasati panyatsoonekwa kuti hurumende iyi iri kubata here zvakanaka kodzero dzevanhu nezvimwe zvakadaro.

Professor John Makumbe, avo vanodzidzisa zvematongerwo enyika paUniversity of Zimbabwe, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hurumende itsva iyi haisati yaratidza kuti inochengetedza kodzero dzevanhu here, sezvo vanhu vakaita saMuzvare Jestina Mukoko, VaRoy Bennett, nevamwe vachiri muhusungwa.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG