Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vopemhera Nyika  Mari Inosvika US$10b


Mutungamiri wehurumende, VMorgan Tsvangirai, vanoti Zimbabwe inoda rubatsiro rwemari yakawanda, kuitira kuti igadzirise hupfumi hwenyika uho hwagwadama.

VaTsvangirai vataura mashoko aya pamusangano wavaita nemutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Montlanthe, kuCape Town.

Musangano uyu wanga uri wekuzeya hurongwa hwekuwanira Zimbabwe mari inosvika US$10 billion. VaTsvangirai vaenda kumusangano uyu negurukota rezvehupfumi, VaTendai Biti, pamwe negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi.

South Africa yange yakamirirwawo negurukota rezvehupfumi, VaTrevor Manuel. VaTsvangirai vati Zimbabwe inoda US$5 nechimbichimbi kuitira kuti igadzirise matambudziko akatarisana nenyika.

Vachitaurawo pamusangano uyu, VaMonlanthe vati pane musangano uchaitwa svondo rinouya pakati paVaBiti naVaManuel wekuzeya mari yekukweretesa Zimbabwe. Vati pamusangano uyu pachange paine nhengo dzeAfrican Development Bank idzo dziri kutarisirwa kubatsirana neSouth Africa kutsvakira Zimbabwe US$10 billion yekugadzirisa hupfumi hwenyika.

Panyaya yaVaRoy Bennet pamwe nevamwe vasungwa vezvematongerwo enyika, vatungamiri vaviri ava vati vasungwa ava vachapihwa mukana hwekubvisa mari yechibatiso. VaTsvangirai vatiwo vakatotenderana naVaMugabe nezvenyaya iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaLuxon Zembe, vanoti US$5 billion iri kudiwa neZimbabwe, inogona kukwana asi kukurisa kwedare remakurukota, kuchaita kuti zvinetse kugadzirisa nyaya yezvehupfumi.

Ukuwo muHarare, gavhuna vebhanga guru renyika, re Reserve Bank of Zimbabwe, VaGideon Gono, vaudza vatori venhau kuti ndivo vachakabata matomu panyaya dzekuburitsa hurongwa hwemari, kwete zviri kutaurwa nevamwe vakuru vakuru muhurumende yemubatanidzwa. VaGono vatiwo vemabhanga vanofanirwa kunzwa zvinobva kubhanga ravo, uye vanotadza kutevedza hurongwa hwemari hwakaparurwa naVaGono, vachange vachityora mitemo yenyika.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Irwin Chifera, mashoko aVaGono anotevera mashoko emutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaArthur Mutambara, avo vakati neChina vemabhizinesi havafanirwe kuteerera hurongwa hwemari hwakaparurwa naVaGono. Mashoko aVaMutambara anoteverawo mashoko egurukota rezve mari, VaTendai Biti, avo vakati bazi ravo richavandudza mashandiro ebhanga guru renyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG