Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Vanogadza Mamwe Makurukota neVatevedzeri Vavo


Hurumende yagadza mamwe makurukota matanhatu, pamwe nevatevedzeri vemakurukota gumi nevapfumbamwe kuState House neChina. Vagadzwa semakurukota awedzerwa pane mamwe makurukota ndiVaJohn Nkomo, Amai Flora Bhuka, pamwe naVaSlyvester Nguni veZanu PF, uye Amai Sekai Holland veMDC inotungamirwa naVaTsvangirai, pamwe naVaGibson Sibanda, veMDC inotungamirwa naVaMutambara.

Gurukota rezvemukati menyika, VaGiles Mutsekwa, vagadzwawo neChina sezvo vakange vasipo pakagadzwa vamwe vavo svondo rapera.

Vagadzwa sevatevedzeri vemakurukota kuZanu PF vanosanganisira VaWalter Chidhakwa, VaMike Bimha, VaLazarus Dokora nevamwe. Vabva kuMDC inotungamirwa naVaTsvangirai vanosanganisira Muzvare Jessie Majome, VaSesil Zvidzai, VaJohn Timba, Amai Evelyn Masaita, nevamwe, ukuwo VaMoses Mzila naVaAddington Tapera vagadzwawo sevatevedzeri vemakurukota kudivi reMDC inotungamirwa naVaMutambara.

Vanga vasipo pakugadzwa uku, ndevakamirira kugadzwa semutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaRoy Bennet, avo vari muhusungwa. Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Irwin Chifera, magavhuna haana kugadzwa sezvo pachine makakatanwa panyaya iyi pakati paVaMugabe naVaTsvangirai.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dziinoti kugadzwa kwevatevedzeri vemakurukota pamwe nemamwe makurukota, kuchapinza vana veZimbabwe mumatambudziko makukutu, sezvo izvi zvichatatamura homwe yehurumende zvakanyanya. Nyanzvi idzi dzinoti bato reMDC riri kuratidza kuti rarasa gwara sezvo rairwira kuti hurumende ive nemakurukota mashoma.

Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe.

Professor Makumbe vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti hazvina musoro kuti vezvematongerwo enyika vawanze makurukota uku nyika ichitambura.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG