Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inopa Vashandi Vayo US$100 paMwedzi Yekubatsirikana


Hurumende yemubatanidzwa inoti yatanga kupa vashandi vayo mari yekubatsirikana yekunze, kana kuti allowances, sezvo dhora remunyika risisina simba. Kutanga mwedzi uno waKukadzi, vashandi vehurumende vachange vachipihwa mari yekubatsirikana pamwedzi wega wega inoita zana remadhora eku America.

Izvi zvakaziviswa neChitatu negurukota idzva rezvemari, VaTendai Biti, pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare.

Mashoko aVaBiti anotsigira zvakataurwa nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, avo vakati vashandi vehurumende vachange votambiriswa mari yekunze.

Mutori wenhau weStudio7, Thomas Chiripasi, anoti VaBiti vati mari idzi dzichawedzerwa nekufamba kwenguva kuitira kuti zvienderane nekuoma kunenge kuchiita zvinhu munyika.

Zvichakadaro, VaBiti vaudza Studio7 kuti mari dzose dzekunze uye dzemunyika, dzicharamba dzichishandiswa.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaLuxon Zembe, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti kana hurumende ichida kuti pasarambe pachiita matambudziko ekuti vanhu vanotambira mari sei, zvakakosha kuti ishandise hayo mari yeku South Africa sezvakataurwa nemutungamiri wenyika iyi, VaKgalema Montlanthe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG