Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voratidza Masimba Avo muHurumende Itsva


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, neChipiri vakasangana kekutanga nedare remakurukota muhurumende yemubatanidzwa kuMunhumutapa Building muHarare.

VaMugabe vakakurudzira kuti makurukota ashande pamwe chete mukunyukura nyika kubva mumadhaka mairi.

Mushure memusangano uyu, VaMugabe naVaTsvangirai vakasangana vari vega vakazeya zvinofanirwa kuitwa nechimbi chimbi nehurumende yavo.

VaTsvangirai vakazosanganawo negurukota rezvekunze kwenyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, vachivaudza zvavanofanirwa kuita mukusimudzira mureza weZimbabwe itsva kunze kwenyika.

VaTsvangirai vanonzi vakaitawo mumwe musangano negurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaEmmerson Mnangagwa, gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika, VaKembo Mohadi, uye gurukota rinoona nezvevasori muhofisi yemutungamiri wenyika, VaSydney Sekeramayi.

VaTsvangirai havana kukwanisa kusangana nerimwe gurukota rezvemukati menyika, VaGiles Mutsekwa, avo vari kunze kwenyika pari zvino. VaTsvangirai vanonzi vakaudza makurukota aya kuti vanofanirwa kuita basa ravo vachiremekedza mitemo yenyika.

VaJames Maridadi ndivo mutauriri waVaTsvangirai. VaMaridadi vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti musangano weChipiri wakafamba zvakanaka.

Ukuwo nyanzvi munyaya dzezve matongerwo enyika, uye vari National Director weNCA, VaEarnest Mudzengi, vanoti nguva ndiyo ichataura yega kana hurumende yemubatanidzwa ichigona kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG