Accessibility links

Breaking News

WHO: Mvura Inonwiwa muHarare Ine Tsvina


Nyanzvi munyaya dzehutano musangano re World Health Organisation, WHO, dzinoti mvura inoshandiswa nevagari vemuHarare inofanirwa kutanga yacheneswa zvakasimba vanhu vasati vaishandisa.

Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa neWHO, iyo yakaita ongororo inoratidza kuti mvura iri kunwiwa nevanhu ine tsvina.

Bepanhau re Herald rinoti mvura yekuBudiriro haina kuchena zviri pamwero, sezvo iri kuwanikwa iine hutachiwana hunokonzera chirwere chekorera.

WHO inoti kubva muna Nyamavhuvhu chirwere chekorera chauraya vanhu vanosvika zviuru zvitatu nemazana matanhatu ane gumi nevaviri, kana kuti 3 612.

Sangano iri rinotiwo vanhu vakabatwa nechirwere ichi vasvika pa 75 789.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti huwandu hwvanhu vafa kana kubatwa nechirwere ichi hunodarika huwandu huri kuburitswa sezvo vanhu vakawanda vari kufira mudzimba dzavo vasina kusvika muzvipatara.

Dr Douglas Gwatidzo ndivo sachigaro veZimbabwe Association of Doctors for Human Rights.

Patience Rusere weStudio7 aita hurukuro naVaGwatidzo kuti tinzwe maonero avo paongororo yakaitwa neWHO.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG