Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inotadza Kuuyisa VaBennett Mudare


Vanhu vakawanda vanosanganisira nhengo dzeMDC, vamiriri vedzimwe nyika, pamwe nevatori venhau, vaungana kumatare edzimhosva ekwaMutare vachida kuona mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, vachimiswa pamberi pedare redzimhosva.

VaBennett, avo vari kutarisirwa kugadzwa semutevedzeri wegurukota rezvekurima, vakasungwa nemusi weChishanu muHarare, vachipomerwa mhosva yekuda kupidigura hurumende yaVaMugabe.

Asi nyaya yaVaBennett haina kupinda mudare neMuvhuro sezvo vachuchisi vehurumende vati havakwanisi kupinda mudare kana mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, Assistant Commissioner Makoni, vasipo.

Assistant Commissioner Makoni vanonzi vadaidzwa nevakuru vavo kuHarare Police General Headquarters, uye vari kutarisirwa kudzoka kwaMutare neChitatu.

Zvinonzi mapurisa akumbirawo mvumo yekuchengetedza VaBennett kwemazuva maviri ari kutevera, kuitira kuti vachengetedzwe vari muhusungwa zviri pamutemo. Mashoko atiri kutambira anotiwo magweta aVaBennett ari kupikisa mudare repamusoro, danho ratorwa nemapurisa rekuramba vakachengeta VaBennett.

Zvinonziwo mugwagwa unonanga kumatare edzimhosva ekwaMutare wanga wakavharwa nemapurisa, uye muguta maswera makazara mapurisa pamwe nemasoja anga akapakatira zvombo.

Magweta ari kumirira VaBennett anoti VaBennett vava kupomerwa mhosva yekuita zvehugandanga, uye yekuda kuputsa mushina unotakura mazwi. Zvinonziwo vari kugariswa mutirongo rine tsvina.

VaBennett vakatiza munyika muna 2006 vachityira hupenyu hwavo vakanogara kuSouth Africa. Vakazodzoka munyika svondo rapera, vachida kuona kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa.

Rimwe remagweta ari kumirira VaBennett, VaTrust Maanda, vaudzawo Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti mapurisa ari kuita zvedambe panyaya yaVaBennett.

Zvichakadaro, MDC inoti nyaya yekusungwa kwaVaBennett inyaya ine chekuita nezvematongerwo enyika, kwete kuda kuita zvehugandanga sezvavari kupomerwa.

Mutauriri webato iri uye vari gurukota rezvekusimudzirwa kweruzivo rwemashoko, VaNelson Chamisa, vanoti pane vamwe vari kuda kuzama kuputsa chikepe chemushandira pamwe pakati pebato iri neZanu PF, kuburikidza nekushungurudza vanhu.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG