Accessibility links

Breaking News

Mushandira Pamwe Wokurudzirwa Pakurwisa Korera


Sangano reWorld Health Organisation rinoti kusvika neChitatu vanhu vanosvika zviuru zvitatu nemazana mashanu ane gumi nevatatu, kana kuti 3 513 , vakafa nechirwere chekorera kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Sangano iri rinotiwo vanhu vabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga vasvika pazviuru makumi manomwe nezvitatu nezana rimwe chete nevashanu, kana kuti 73 105.

Sachigaro vesangano reZimbabwe Association Of Doctors For Human Rights, Doctor Douglas Gwatidzo, vanoti hurumende yemubatanidzwa inofanirwa kuita mushandira pamwe hwechokwadi pasina kuhwandirana, kuitira kuti denda rekorera ripere munyika.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaGwatidzo kuti tinzwe zvizere zvinofanirwa kuitwa nehurumende itsva.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG