Accessibility links

Breaking News

Dare Rinotonga Kuti Muzvare Mukoko Vaonekwe naChiremba


Dare redzimhosva remagistrate rapa mutongo wekuti Muzvare Jestina Mukoko, avo vanowe director weZimbabwe Peace Project, vabvumidzwe kuonekwa navanachiremba vavanoda pamwe nevehurumende kuitira kuti dare rigozoona kuti voendeswa kuchipatara cheAvenues Clinic here kana kuti voramba vari kujeri rechikurubi uko vari muhusungwa.

Muzvare Mukoko vatongwa vasipo sezvo hurumende yatadza kuvaendesa kudare nekuda kwekushaya mafuta ekufambisa.

Gweta riri kumirira Muzvare Mukoko VaHarrison Nkomo vaudza Jonga Kandemiiri vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti mutongi wedare, Muzvare Gloria Takundwa vati Muzvare Mukoko vadzoke mudare nechishanu, mushure kekunge paunganidzwa humbowo hwekuti varapwe vari kupi.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG