Accessibility links

Breaking News

Vanhu Voramba Vachitorwa neDenda reKorera


Sangano reWorld Health Organization, WHO, rinoti vanhu vanosvika zviuru zvitatu nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevanomwe, 3 397, vakafa nechirwere chekorera kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera. Sangano iri rinotiwo vanhu vanosvika 69 317 vakabatwa nechirwere ichi kubva pachakatanga.

Hurumende inoti iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa dambudziko rekorera, kuburikidza nerubatsiro rwuri kubva kumasangano akaita seWHO, UNICEF nemamwe.

Sachigaro ve Community Working Group on Health, VaItai Rusike, vanoti vari kunetsekana zvikuru nehuwandu hwevanhu vari kufa nechirwere ichi.

Marvellou Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaRusike kuti tinzwe zviri kuita munyaya dzechirwere chekorera.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG