Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vanoramba Kudzokera kuBasa


Varairidzi vakawanda varamba kudzokera kumabasa neMuvhuro sekurudziro yakaitwa nehurumende svondo rapera. Varairidzi vanoti vachadzokera chete kumabasa avo kana hurumende yatanga kuvapa mihoro nemari yekunze.

Varairidzi vari kuda kutambiriswa mari inotangira pa zviuru zviviri nemazana maviri emadhora eku America pamwedzi.

Munyori mubazi rezvedzidzo, Doctor Stephen Mahere, vakazivisa svondo rapera kuti varairidzi vachatadza kudzokera kumabasa neMuvhuro, vanobva vadzingwa basa zvachose. Asi masangano anomirira vadzidzisi anoti haasi kuzotambira mashoko ekuvatyisidzira.

Sangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti rakazivisa kare kuti nhengo dzaro hadzisi kuzodzokera kumabasa kudzimara hurumende yagadzirisa zvichemo zvavo.

Amai Tendai Chikowore ndivo mutungamiri weZimta.

Amai Chikowore vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vadzidzisi vari kuramba kudzokera kumabasa sezvo vari kuda kutanga vatambiriswa mihoro nemari yekunze.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG