Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votsika Zvakare VaTsvangirai Konzi


Kunyange hazvo matare eSenate neHouse of Assembly akatambira Constitutional Amendement Bill Number 19 kuti uve mutemo neChina, pachine makatatanwa pakuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa pakati pemapato maciri eMDC neZanu PF.

Vari kutungamira munhaurirano pakati peMDC neZanu-PF vanoti nyaya yemagavhuna haina kumira zvakanaka, sezvo Zanu PF yava kudududza pane zvakabvumiranwa.

Pakawiririranwa kuSouth Africa kuti magavhuna agovanwe kuburikidza nezvakabuda musarudzo yemuna Kurume gore rapera. Izvi zvinoreva kuti bato rinenge riine zvigaro zvevamiriri veparamende zvakawanda mudunhu, ndiro rinofanirwa kunge riina gavhuna anomirira dunhu iri.

MDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai yaifanirwa kuwana magavhuna mashanu, munzvimbo dzinoti Harare, Bulawayo, Manicaland, Masvingo, Matabeleland North neManicaland, Zanu-PF ichiwana magavhuna mana, kuMashonaland Central, Mashonaland East, Mashonaland West neMidlands, ukuwo MDC inotungamirwa naVaArthur Mutambara, ichiwana gavhuna mumwe chete kuMatabeleland South.

Sezvo pachine gakava pakati peMDC neZanu-PF kuti ndiyani achawana magavhuna akawanda, zvinonzi achawana mashoma achatora chigaro chegurukota renyika, kana kuti Minister of State.

Vanhu vanga vofungidzira kuti makakatanwa e Zanu PF ne MDC apera nekushandira pamwe mudare neChina. Asi pava nemibvunzo yekuti mapato aya acharamba achivimbisika here zvichitevera makakatanwa amuka zvakare aya.

Paramende iri kutarisirwawo kuzeya bhiri reNational Security Council neChipiri, iro richavandudza mashandiro emapurisa nemauto.

Asi zvinhu zvinonzi zvabvorongekawo muMDC yaVaTsvangirai nemuZanu-PF mushure mekubuda mashoko ekuti nhengo dzimwe dzedare reparamende hadzina kufambisa zvakanaka mbesa nefotereza zvakapihwa vanhu pasi pechirongwa che Operation Maguta.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti pavanhu ava pane vamwe vange vachitarisirwa kudomwa mudare remakurukota raVaTsvangirai.

Mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti bato ravo richaita ongororo yaro rotora matanho akakodzera.

VaPedzisai Ruhanya vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika. VaRuhanya vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti VaMugabe havafanire kuita zvenhafu semunhu akakundwa musarudzo.

Ukuwo masangano akazvimirira anosanganisira ZCTU, Crisis in Zimbabwe Coalition, NCA, Bulawayo Agenda, Women in Politics, Zinasu nemamwe, asangana neChishanu muHarare akabuta nechisungo chekuti haasi kutambira zvakaitika paConstitutional Amendment Bill Number 19 muparamende neChina.

Sekutaura kuri kuita mutori wedu wenhau, Arthur Chigoriwa, masangano aya atiwo achaenderera mberi nehurongwa hwekuumba bumbiro remitemo rinobva muvanhu, kwete zvehumbimbindoga zvakaitwa neMDC neZanu PF.


Dzimwe Nhau kubva KuStudio7...

XS
SM
MD
LG