Accessibility links

Breaking News

Korera Yopararira  neNyika Vanhu Vachifa Mazuva Ose


Sangano reWorld Health Organization rinoti kusvika neChitatu chirwere chekorera chainge chauraya vanhu zviuru zvitatu nemazana matatu ane makumi mashanu kana kuti 3350.

Vanhu vanosvika 67 567 vakabatwa nechirwere chekorera kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu.

Vanhu vafa pamwe nekubatwa nechirwere ichi vanonzi vatopfuura zvakamboitika pasi rino rose. Zvinonzi vanhu vakawanda kwaMutare vari kufira mudzimba dzavo vasina kukwanisa kuwana rubatsiro. Izvi zviri kuitikawo munzvimbo dzakawanda munyika.

Kufa kwevanhu vakawanda nechirwere ichi kuriu kushanmisa zvikuru nyanzvi munyaya dzehutano sezvo chirwere ichi chichirapika nyore.

Nyaya iri kunyanya kunetsa mukurwisa chirwere ichi kushaikwa kwemvura yakachena uye mishonga inodiwa, pamwe nedzidziso yakakwana.

Blessing Zulu weStudio7 aita hurukuro nasachigaro veZimbabwe Health Workers Association, Doctor Amon Siveregi, pamwe naMuzvare Tsitsi Singizi, avo vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muUNICEF, kuti tinzwe maonero avo padambudziko rakatarisana nenyika.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG