Accessibility links

Breaking News

Huwandu hweVanhu Vari Kufa neKorera Horamba Huchikwira


Sangano reWorld Health Organisation, kana kuto WHO, rinoti kusvika neChipiri vanhu vafa nekorera vasvika pazviuru zvitatu nemazana matatu ane makumi maviri nevatatu, kana kuti 3 323 kubva pakatanga chirwere ichi muna Nyamavhuvhu.

Sangano iri rinotiwo vanhu vakabatwa nechirwere ichi vasvika pa 65 739. Budiriro ndiyo imwe yedzimwe nzvimbo dzine vanhu vari kutarisana nedambudziko iri. Hurumende inoti iri kuedza nepainogona napo kupedza dambudziko rechirwere, kunyange hazvo zvinhu zvisina kumira zvakanaka mubazi rezvehutano.

Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti vanhu vafa nekorera vanodarika huwandu huri kutaurwa neWHO, sezvo vanhu vakawanda vari kufira mudzimba vasina kusvika muzvipatara.

Professor Heneri Dzinotyiweyi ndivo mumiriri weBudiriro mudare reHouse of Assembly.

Professor Dzinotyiweyi vanoti danho rakatorwa nehurumende rekudzorera bazi remvura kumakanzuru ringangobatsire mukudzikisa huwandu hwevanhu vari kubatwa nekorera.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro na Professor Dzinotyiweyi kuti tinzwe zviri kuitika mudunhu ravanomirira mudare reparamende.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG