Accessibility links

Breaking News

Voruzhinji Vokurudzirwa Kufashaidza Mvura Vasati Vainwa


Sangano reWorld Health Organisation rinoti vanhu vafa nechirwere chekorera pakavira kwezuva neSvondo, vasvika pazviuru zvitatu nemazana maviri ane makumi maviri nevapfumbamwe. Sangano iri rinoti vanhu vakabatwa nechirwere chekorera kubva pachakatanga muna Nyamavhuvhu gore rapera, vasvika pazviuru makumi matanhatu nezviviri nemazana mapfumbamwe ane vanhu vapfumbamwe.

Nzvimbo dziri kunyanya kutambudzwa nechirwere ichi pari zvino dzinoti Bindura, Mazowe, Zvimba neBinga. Hurumende inoti iri kuedza nepainogona napo kurwisa chirwere chekorera

Sachigaro vesangano re Zimbabwe Association Of Doctors For Human Rights, Doctor Douglas Gwatidzo, vanoti veruzhinji vanofanirwa kufashaidza mvura yavanonwa nguva dzose, kuitira kuti vasabatwe nechirwere chekorera.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaGwatidzo kuti tinzwe nezvedambudziko rekorera ranetsa munyika.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG