Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Voudza Masangano Akazvimirira Zviri Kuitika


Mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vasangana nevamiriri vemasangano akazvimirira ega, vachivatsanangurira zvakapa kuti bato ravo ritore danho rekuenderera mberi nekuumba hurumende yemubatanidzwa neZanu PF.

VaTsvangirai vaita izvi sezvo mune kupesana mumasangano akazvimirira pamusoro pedanho rakatorwa neMDC. Mamwe masangano ari kuti MDC yakakurumidza kumedza kutsenga ichada panyaya yekupinda muhurumende yemubatanidzwa. Asi mamwe anoti anotsigira danho rakatorwa naVaTsvangirai nebato ravo.

VaTsvangirai vasangana nemasangano anoti ZCTU, NCA, Bulawayo Agenda, ZINASU, Crisis in Zimbabwe Coalition, nemamwe.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri we MDC. Ntungamili Nkomo weStudio7 aita hurukuro naVaChamisa kuti tinzwe zvatora nzvimbo neMuvhuro.

VaChamisa vatiwo bato ravo riri kusangana nebato reZanu PF, kuitira kuti vakurukure zvimwe zvinhu zvinofanirwa kugadziriswa hurumende yemuntanidzwa isati yaumbwa.

Izvi zvinosanganisira kuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika, kugadzirisa nyaya yemagavhuna, pamwe nevamiriri veZimbabwe kune dzimwe nyika.

Asi nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vari sachigaro weNCA, Doctor Lovemore Madhuku, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vanhu havafanirwe kutarisira zvakawanda pakuvandudzwa kwebumbiro remitemo yenyika sezvo Zanu PF ne MDC dzakatowirirana kare.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG