Accessibility links

Breaking News

MDC Yoenderera Mberi neKupinda muHurumende yeMubatanidzwa


MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai yakawirirana neChishanu kuti inofanirwa kuzadzisa zviri muchibvumirano chemusi wa 15 Gunyana chekuumba hurumende yemubatanidzwa neZanu PF.

MDC inoti yakabuda nedanho iri senzira yekuremekedza chisungo che SADC, iyo yakati hurumende yemubatanidzwa iumbwe muna Kukadzi. MDC inoti yakavimbiswa naVaMugabe kuti vachagadzirisa zvichemo zvebato iri, izvo zvakatsigirwa neSADC.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekuita musangano weNational Council, VaTsvangirai vati vane tarisiro yekuti zvinhu zvichafamba negwara kwaro, kuitira kuti vagadzirise zviri kunetsa vanhu muZimbabwe.

Mutori wedu wenhau, Loirdham Moyo, anoti mazana evanhu aungana panze pemuzinda weMDC vachifarira VaTsvangirai.

MDC yakanga ichitsika madziro ichiti haisi kuzopinda muhurumende yemubatanidzwa kudzamara VaMugabe vabvuma kugovana masimba zvechokwadi. Bato iri raidawo kuti zvose izvi zvitange zvagadziriswa bumbiro remutemo risati ravandudzwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera, vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti havana kushamiswa nedanho reMDC nekuti hakuna chimuko chayange yowana kubva kuSADC.


Dzimwe Nhau Kubva KuStudio...

XS
SM
MD
LG