Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvakazvimirira Zvopura Mari yeKunze


Apo vadzidzisi vemuzvikoro zvizhinji zvemunyika vari kuramwa mabasa nekuda kwemari shoma dzavanotambira, vamwe vabereki vanowana vave kutumira vana vavo kuzvikoro zvakazvimirira zvoga, kunyange hazvo zvichidhura.

Mutori wedu wenhau, Arthur Chigoriwa, uyo ari muChinhoyi, anoti vabereki vava kuona zvakakodzera kuendesa vana vavo kuzvikoro zvakazvimirira, sezvo kuri iko chete kune dzidzo mazuva ano.

Van vechikoro vanonzi vari kubhara mari inodarika mazana mana emadhora ekuAmerica patemu imwe chete.

Zvichakadaro, sangano reOxfam International rinoti riri kushushikana zvikuru nedambudziko rakatarisana nevana vechikoro pamusoro pechirwere chekorera, zvichitevera kuvhurwa kwezvikoro neChipiri.

Oxfam International inoti vana vechikoro havana kuwana dzidziso yakakwana pamusoro pechirwere chekorera, sezvo vakanga vari pazororo panguva yakanyanya kupararira chirwere ichi. Sangano iri rinotiwo rimwe dambudziko riripo nderekushaikwa kwevarairidzi muzvikoro, sezvo pasina anozopa vana vechikoro dzidziso yakakwana.

VaPeter Mutoredzanwa ndivo Country Director weOxfam muZimbabwe. VaMatoredzanwa vaudza Jonga Kandemiiri weStudio 7 kuti vanoona sekunge hurumende pamwe nemasangano ari kubatsira vari kukurirwa nechirwere ichi sezvo huwandu hwevanhu vari kufa uye kubatwa nechirwere ichi huri kuramba huchikwira.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG