Accessibility links

Breaking News

Kuumbwa kweHurumende yeMubatanidzwa Kounza Makakatanwa

Sangano reSADC riri kuenderera mberi nebasa rekubatsira kuumba hurumende yemubatanidzwa muZimbabwe, kunyange hazvo pachine zvimhingamupinyi zviri kuda kutangwa zvagadziriswa.

Bepanhau reThe Star rinoti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vakabvuma kuumba hurumende yemubatanidzwa naVaMugabe, ndokana zviri kudiwa nebato ravo zvagadziriswa. VaTsvangirai vanoti vane chivimbo chekuti VaMugabe vachagadzirisa zviri kunetsa munhaurirano hurumende yemubatanidzwa isati yaumbwa.

Asi vamwe muZanu PF nemuMDC vanonzi havasi kufarira kuumbwa kwehurumende yemubatanidzwa. Izvi zvaita kuti mapato maviri aya ave nezvikwata zviviri zviri kupikisana pamusoro penyaya yehurumende yemubatanidzwa.

MDC inoti bato iri richaita musangano wekuti ropinda here kana kuti kwete mushure mekunge dare guru rebato iri, re National Council, rabuda nechisungo neChishanu.

Zanu PF yakabudawo nechisungo kare chekuti VaMugabe vanofanirwa kusadududza vachitambira zviri kudiwa neMDC. Hapana mashoko anoratidza kuti Zanu PF ichaitawo here musangano wekuzeya zvakabuda neSADC, sezvo zviri kunzi VaMugabe vakabvuma kuti vagovane zvinzvimbo zvemagavhuna neMDC, izvo vange vachiramba kuita.

Vane ruzivo nezvakaitika kuSADC vanoti VaTsvangirai vakanyevenutswawo moyo nenyaya yekuti VaMugabe vakabvuma kuti nyaya yemagavhuna, kudomwa kwagavhuna weRBZ, muchuchusi mukuru uye kuumbwa kwe Security Council, kuongororwe zvakare.

Kunyange hazvo zvimwe zvakatenderanwa pasina kunyanyonetsa neSADC, vamwe vakuru veSADC vakatenderana naVaTsvangirai kuti nyaya yedare remakurukota yainge isina kuitwa zvakanaka. Asi pakazonzi nyaya iyi iongororwe papera mwedzi mitanhatu.

VaJoseph Mungwari ndivo mutauriri mutsva waVaTsvangirai.

VaMungwari vaudza Blessing Zulu weStudio 7 kuti National Council yebato ndiyo ichapa gwara neChishanu.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG