Musangano weSADC wakatanga neMuvhuro ukapera mambakwedza eChipiri wakabuda nechisungo chekuti
muZimbabwe muumbwe hurumende yemubatanidzwa. Musangano uyu unotevera musangano wesvondo rapera uyo wakakundikana kugadzirisa gakava riri muZimbabwe.
Munyori mukuru weSADC, VaTomaz Salamao,
vaudza vatori venhau kuti matambudziko ose ari munyika achapera chete kana
paumbwa hurumende yemubatanidzwa.
Sachigaro veSADC, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Montlante, vanoti mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, vanofanira kutora mhiko musi wa11 Kukadzi. Mushure mezvo, makurukota nevatevedzeri vavo vanofanirwa kutora mhiko musi wa13 Kukadzi.
Nyaya dzemagavhuna nevamiriri vedzimwe nyika dzinonzi dzichazeyiwa kana hurumende yaumbwa. Asi hutungamiri hwMDC inotungamirirwa naVaTsvangirai hunoti hauna kufara nezvakabuda neSADC pagakava riri muZimbabwe.
Bato iri rinoti richapira zvatarwa neSADC kuNational Council
yayo iyo ichasangana neChishanu. VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vanoti musangano wavo harina kufara neSADC asi zviri kuNational Council yemusangano kutora danho rainoda.
VaBright Matonga ndivo mutevedzeri wegurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko. VaMatonga vanoti kana MDC ikatsika madziro VaMugabe vachaumba hurumende voga.
Professor John Makumbe inyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika. Professor Makumbe vanoti SADC haisi kukwanisa kunyatsobata nyaya yeZimbabwe zvakanaka.