Accessibility links

Breaking News

Zvikoro Zvinovhurwa Zvisina Varairidzi


Vana vezvikoro zvakawanda vanonzi vaswera vachitamba pamwe nekutenderera nemaraini, sezvo muzvikoro manga musina vadzidzisi vakawanda vanga vari pabasa.

Mutori wedu wenhau, Taurai Shava, uyo ari muGweru, anoti zvikoro zvakawanda zvadzosawo vana kudzimba sezvo varairidzi vasina kuenda kumabasa.

Varairidzi vazhinji vanoti vakundikana kunotanga temu itsva sezvo vari kuda kuti hurumende itange yabvuma kuvapa mari dzemihoro yavo nemari yekunze. Varairidzi vari kuda kuti vatambiriswe mihoro inotangira paUS$2 200.00 pamwedzi kutanga mwedzi uno waNdira.

Jonga Kandemiiri weStudio7 aita hurukuro nemutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, avo vanoti varairidzi vachadzokera chete kubasa kana hurumende yabvuma kuvapa mari dzavo dzemihoro nemari yekunze.

Vakafanobata chigaro chaChief Executive Officer weZimbabwe Teachers Association, VaSifiso Ndlovu, vanotiwo nhengo dzavo dzatadza kudzokera kumabasa sezvo dzisina mari dzekufambisa.

Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG