Accessibility links

Breaking News

SADC Yoedza Kugadzirisa Gakava Riri muZimbabwe


Musangano weSADC wechina wekuzeya gakava riri pakati pemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, pamwe nemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, kubva pakanyoreranwa chibvumirano chekuumba hurumende yemubatanidzwa muna Gunyana gore rapera, watanga muPretoria kuSouth Africa.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti musangano uyu uchine makakatanwa pakati paVaMugabe naVaTsvangirai. Musangano uyu wakadaidzirwa svondo rapera nasachigaro weSADC, uye vari mutungamiri weSouth Africa, VaKgalema Motlanthe, zvichitevera kukundikana kwemusangano wakaitirwa muZimbabwe svondo rapera neMuvhuro. VaMugabe naVaTsvangirai vari kunetsana panyaya yemaumbirwo ehurumende yemubatanidzwa.

VaTsvangirai vanoti kuti vapinde muhurumende iyi, VaMugabe vanofanirwa kugovana navo masimba zvakafanira. Apo nyaya iyi yange ichizeiwa, vanhu vanodarika makumi matatu vanonzi vakuvara apo mapurisa emu South Africa, ashandisa mbumburu dzerhabha mukuparadza kuratidzira kwanga kuchiitwa nemasangano akasiyanasiyana panzvimbo iri kuitirwa musangano uyu muPretoria.

Vamwe vakuvara mukuratidzira uku vanonzi vaendeswa kuchipatara chikuru cheTswane District Hospital muPretoria makare. Kuratidzira uku kunonzi kwanga kwakarongwa nesangano re“Save Zimbabwe Now Campaign” iro rakaumbwa nemubatanidzwa wemasangano akasiyana siyana.

Vanga vachiratidzira ava vanonzi havana kuzokwanisa kusiya gwaro ravo renyunyuto kuvatungamiri veSADC sezvo mapurisa avhiringidza hurongwa uhu.

Mumwe wevakuwara ava, VaMufaro Hove, avo vati ndivo munyarikani wesangano reRevolutionary Youth Movement of Zimbabwe, iro rakarongawo kuratidzira uku, vaudza Jonga Kandemiiri weStudio7 kuti vamwe vakuwara vatya kuenda kuchipatara sezvo vasina magwaro anovabvumidza kugara muSouth Africa zviri pamutemo.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...


XS
SM
MD
LG