Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheKorera Choramba Chichiuraya Vanhu Vakawanda


Sangano reWorld Health Organisation rinoti kusvika neSvondo vanhu vafa nechirwere chekorera vasvika zviuru zviviri nemazana masere ane makumi manomwe nevaviri, kana kuti 2 872, uye vanhu vabatwa nechirwere ichi vasvika pa 53 306 kubva pakatanga chirwere ichi muna Nyamavhuvhu gore rapera.

Sangano iri rinoti vanhu vanopfuura zviuru makumi matanhatu vanogona kubatwa nekorera mwedzi waNdira usati wapera. Hurumende inoti iri kuedza napose painogona napo kurwisa chirwere chekorera.

Sachigaro vesangano re Zimbabwe Association Of Doctors For Human Rights, Doctor Douglas Gwatidzo, vanoti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere chekorera huri kuramba huchiwanda. Va Gwatidzo vanoti hurumende inofanirwa kugadzirisa zvikonzero zviri kuita kuti chirwere ichi chirambe chichipararira.

Marvellous Mhlanga Nyahuye weStudio7 aita hurukuro naVaGwatidzo kuti tinzwe maonero avo panyaya iyi.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7…

XS
SM
MD
LG