Accessibility links

Breaking News

VeMDC neZanu-PF Voramba Vakatsika Madziro paNyaya yeNhaurirano

Musangano wekuzeya gakava rezve matongerwo enyika pakati pemutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, pamwe nemutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, uri kuenderera mberi neMuvhuro muPretoria kuSouth Africa.

Asi mashoko atiri kutambira anoti veZanu-PF neMDC vari kuramba vakatsika madziro zvekuti SADC inotofanirwa kusunga dzisimbe, kuitira kuti musangano uyu ubudirire.

Kunyange hazvo veMDC neZanu-PF vari kuramba vakaomesa musoro kuti havasi kuzodududza, hapana mumapato aya ari kuziva kuti voringepi kana zvehurumende yemubatanidzwa zvikasabudirira.

Vari kutungamira Zanu-PF munhaurirano idzi, VaPatrick Chinamasa, varamba mashoko ari muZimbabwe Independent ekuti nhaurirano dzichatungamirwa neSADC neMuvhuro dzikasabudirira, VaMugabe vachaumba hurumende voga.

Asi vati havasi kuzodududza pamatanho avakatora panyaya yedare remakurukota, magavhuna uye vamiriri vekune dzimwe nyika. MDC inotiwo iri kuda kuti masimba agovanwe zvechokwadi, kuitira kuti hurumende yemubatanidzwa ibudirire.

VaNelson Chamisa ndivo mutauriri weMDC. VaChamisa vanoti Zanu-PF ikaumba hurumende yoga, inenge yazvisikira moto muziso, vakati vane chivimbo chekuti nhaurirano dzichabudirira.

VaJoram Gumbo ndivo Chief whip veZanu-PF mudare reparamende. VaGumbo varamba mashoko ekuti VaMugabe vachaita zano ndega.

Gurukota rinoona nezvekunze kweSouth Africa, Amai Nkosazana Dlamini-Zuma, vanoti SADC haina masimba ekupedza gakava remuZimbabwe, asi kuti vatungamiri vezve matongerwo enyika muZimbabwe, ndivo vanokwanisa kupedza gakava iri.

Dzimwe Nhau kubva kuStudio 7...

XS
SM
MD
LG