Accessibility links

Breaking News

EU neHuman Rights Watch Dzokurudzira Kuti VaMugabe Vaomeserwe


Masangano eEuropean Union pamwe nereHuman Rights Watch, anoti nyika dzemuAfrica dzinofanira kurega kubata VaMugabe sekasvava.

EU inoti neMuvhuro ichatemera zvirango vamwe vakuru muhurumende yaVaMugabe vari kutyora kodzero dzevanhu.

EU inotiwo ichaudza veKimberly Process kuti vaongorore nyaya yekuti mangoda ekuChiadzwa kwaMarange, ari kushandiswa mukutenga zvombo zviri kushandiswa mukudzvinyirira vanhu.

Sangano reHuman Rights Watch rinotiwo AU inofanira kuomesera VaMugabe kuitira kuti dambudziko ratarisana nenyika ripere.

Human Rights Watch inoti kana Zimbabwe ikaramba ichityora kodzero dzevanhu, inofanira kumbomiswa kuvanhengo yeAU.

VaDewa Mavhinga vanoshanda nesangano reHuman Rights Watch sachipangamazano. VaMavhinga vaudza Blessing Zulu weStudio7 kuti matambudziko ari munyika ari kukonzerwa nemabasa aVaMugabe.


Dzimwe Nhau Kubva kuStudio7...

XS
SM
MD
LG